Tuesday, March 3, 2015

Mudhara we Gitare

Handikanganwe zuva iroro. Ndaitofara  kunge munhu ari kuenda ku disco. Takasvika pa chikoro kuma 2pm ikoko, ndipo paitanga show. Yaiitirwa pachi square  chekuma senior grades kunana grade 4-7. Ipapo. Vanoziva Chipembere Primary School mapabata.

I paid my zukwa and got in. Unoziva unenge uchingoti ko zvikaramba ndikanzi usapinde. It happens kana zvamboitika a few times unenge wakutoti izvozvi ndini ndichamiswa. But no, ndakapinda. I didn't find a place to sit because ma prefects akatimanikidza kugara pavaida ivo. Nxa. But who cared, chero ndirimo.

Gare gare headmaster vakasvika, ne suit nema sandals. I think vairwara nemakumbo. He gave his usual speech and introduced the entretainer, zita ndakanganwa but I remember the guitar.

I don't know what's wrong nevaimbi, esp vemagitare. Anenge akagara nguva yese iyo asingachune gitare rake. Kungopiwa nguva chete akutanga kuchuna chuna. Hah.

Akazotanga kuridza ini ndato mu town zvangu mupfungwa dzangu. He found his groove after a while.

"Kakumboshuro haurime unodya mari.
Kakumboshuro haurime unodya mari"

Apa ndanga nda busy kugaya kuti what kind of a name was that. All I could think of was kakumbo ketsuro. Ndakatotanga kunzwa yanguwo song yakurira mumusoro "Handei tinovhima tsuro, nyama ye tsuro inopenga kunaka!"

I recalled every Tsuro ngano ever told. My favorite was the one yaanga ari babysitter was Shumba.

"Musha wakatengesa haurime unodya mari
Haurime Kakumboshuro"

His voice trailed off. Ndakafunga tiri mu class, learning ma opposites. I recalled my mistakes panyaya iyi. Tsk, everytime I try to think about past lessons, my errors come barging in. This is why I prefer to focus on the present zvangu. Pakanzi ma opposites....Fat - Nathan akati Thin (Zvikanzi raise your hand first. Opposite of Big.... Beaula abva akuridza maoko, Missess, Missess... Beaula... "The opposite of Big is Small"...Good girl, excellent, star!

Pakazonzi Comrade ndanga nda cofortable. Hameno  imimi, ini just the thought yekusimudza rwoko yaiita kuti mukanwa mangu muome, mudumbu mumone, etc. But eventually, I got round to it... Kudzai...Ndakavhunduka. Ndanga ndatokanganwa mubvunzo futi. She must have known me well.

"What's the opposite of Comrade?"
"Oh, I know this one. Soldier!"
I had heard nezve ma comrades nema soja saka that was easy.
I was surprused kuona Cody achiri akasimudza maoko.

"Cody tipe answer," said the teacher. "Foe!" Said Cody. Ndakafara kuti atadza, but had no time to celebrate. Teacher vanga va busy kuti good, excellent, star. I frowned thoughtfully.

"...haurime unodya mati
Gejo waka..."

Ipapo chi gitare chakabva chati dambu, chaunga chese changa cha lost in the act chikabva chati rrrrrrrrrr maziso ku stage.

"Ahhhhhhhhhh!" we all said at once.

2--25 minutes munhu achisunganidza ma strings. I think it was just 1 or 2 minutes but kana wabhadhara mari dzako it seems like forever.

He was back. Akapedzisa song yake vanhu vakaombera, pwa pwa pwa, kunge maputi ari pamoto. Here and there chete. I wondered how that felt.

Akatanga song nyowani,

 "Nguva yandaikuda waindiramba
Kana kubasa kwako ndaikutevera
Zvino handichakuda iwe wava kundida....

Chigitare bva chati dambu futi. Aghhhhhhhhhhhhhhhh

Akatanga kusunganidza but this time vanhu vanga vasvotwa. Hameno akatanga kudaidzira kuti "Zukwa, zukwa...!"

Moments later mwana wese wechikoro anga akungoti zukwa, zukwa..Ayas. Maticha akati chiendai kumba zvapera, no refund, nada refundo pachi putukezi.

Ndipo pakafira sarungano yekunakidzwa

Thursday, September 4, 2014

Chi mhondi chepa next door

Zvaingoita sekurota. Ndakamutswa ne zuva raipinda nepaisangana ma keteni, asi chakaita kuti ndibude panze i mhere mhere.Ndakanzwa noise ndikati better check it out.

Ma squad car emapurisa anga akati nda nda nda paraini. paive ne mhando dzakasiyana siyana. Ma Nissan Patrol. Mota dzema tikitivha. Dzimwe dzaive nemireza yakareba semiti.

Vapfanha vese vainge vakagumbata vachiona mapurisa achimhanya mhanya. Vanhu vakuru vaimirizikawo with empty faces. Mudhara Mabere anga aripowo akapfeka ka wife beater kake kaimbove ke white. Magokora ake aiita kunge akanyikwa mu Jik, maonowo akaunyana. Aitaura na Mbuya va Nhamo.

Ndakasebera padhuze kuti ndinzwe kuti inyaya yei ndikapotswa ne mbama.

"Choka. Choka pamene apo," akadaro mudhara Mabere. He was serious saka ndakakwakuka ndikaenda kure. Unokwaturwa ka.

Gare gare ndakaona Razaro amira pa side pangu ne adidas yake ye orange ne jersey reku Tsungai Primary. Ndakati ndeip and rezi. Ndakazibvunza kuti inyaya yei, zvikanzi pane munhu akachekwa musoro pamba pana Razaro the night before.

"Manje mhondi yacho yabatwa here?" ndakabvunza. Akati ehe, yanga yabatwa.

Mudhara Mabere anga amuka kuma 5 kuenda kuchimbuzi and found a headless man akarara pa pole re line re washeni. akamhanya ku charge office akawana Sergeant Chiwara vari panyanga. Akavaudza zvanga zvaitika vakatora statement. Aripo pakasvikawo musikana ainzi Alice weku Egypt nenyaya yekuti anga akandirwa musoro we munhu nepa window.

VaChiwara vakada kuziva kuti Alice aiziva munhu akakanda musoro here. "Ehe, taimbodanana asi ndakamuramba."

"Makarambana rinhi?"
"Last week but one"
"Saka unofunga kuti pane connection?"
"Hongu Sajeni. Akaramba kurambwa akati pachafiwa. Ini ndaitoti achauraya inini."
"Dzokera shure undiudze kuti zvafamba sei."
"Sajeni, ndanga ndichangobva kubasa kubhawa..."
"Uri bar tender here?"

Mudhara mabere akagutsurira musoro kuratidza kunzwisisa

"Kwete, ndinoshanda panze. Saka ndapinda mumba. Ndakutokurura nguwo kuti ndivate ndikanzwa pwaka pa window. Iro i window ranga richirohwa ne dombo. Pabva pakandwa pasuru yakaputirwa ne newspaper re Herald zvikanzi "Alice pasuru yako iyo". I just knew kuti i voice rani.

"Saka ndavhura pasuru ndakabva ndaona musoro wemunhu. Ndadonhedza zvese pasi ndokupfeka kuti ndiuye kuno."

"Waita zvakanaka. Ko mufi waimuziva here?"
"Kwete"
"Imi mudhara, maiziva mufi here?"

Va Mabere vakadzungudza musoro. "Aiwa. Ndafika pa ujeni kuti ndione kuti ndi chiyani chiripo pamene. Ndamva ndaona ai, munhu. Ndati no, beta ndiyende ku charge offs right away. Saka ndauya pano a Sajeni.

"Right. Saka dzokerai henyu kumba. Ini ndakutuma vakomana nembwa kuti vauye kuzoona kuti inyaya yei...

...To be continued

Wednesday, March 7, 2012

Nhamo Ine Nharo

Usango Gabha Gabha Mwana
Terama, Bhora Pasi, Tsvaga Masamba
Undiitire Cuppa Ndafa Nenzara
Ndaswera Kwa Fawcette Ndakaforera Basa
Asi Handisi Kuda Sadza
Ndoda Tea Chete Isina Mukaka
One Cup Inokwana

A While Letta Pa Porch Pana Kirevha
Ndakabata Empty Kapu Ne Nyuzipepa
Randaswera Ndichiverenga, Ndiri Kumujekesera
Zveupenyu Zvonetsa Unoketa
Unopedza Zuva Nemafero Wakaforera
Paunoti Nzve Pachibheka
Unodzoka Wowana Vamwe Vakusevenza
Iwe Kanha, Munyama Wega Wega

Krispen Akabata Pozisheni Ku Swift
Nhasi Anzi Ari Kutorara Ku Shift
Haachawana Nguva Nesu Ma Rovha
Bhikozi Hatina Chibhanzi, Tinozomu Mocha
Kuda Kushamisira Munhu Asina A Level
Kabasa Kekuwana Nekutamba Bhora
Akutozviita Kunge Ave Pane Imwe Level
Kunge Anoona Zviri Kuseri Kwe Kona

Tsotsi Repapo Rakavharirwa
Asi Pa Nharaunda Hapana Ari Kuzviziva
Except Gen'a Re Ketazi Riri Mu Area
Vamwe Vese Vari Kunzi Ku AGM Ye Bheriya
Ayas, Mu Zimba Anosona Mabhodyera
Ne Tsono Okutengesera Ukatotenga

Kwati Tsvaa Manje Zuva Ranyura
Vanoraura Vombonoraura
Muhomwe Dzana Zuze Vakakotsira
Isusu Ana Zobha Tongomirira
Kuti Zuva Ribude Futi Mwangwana
Tidzokere Kunoswera Pamushana

Tichiziva Zvedu Kuti Kuvaraidza Nguva
Vanowana Mabasa Vanoriwana Vachiri Kumba

Thursday, February 23, 2012

Kusangana

Tsaona pa mharadzano. Chipo anosangana na Tadiwa.

Chido: Ndine urombo sisi. Hezvo, ko kunojwenya mbira?
Tadiwa: Hongu. Ndinoitwa Tadiwa Moyo.
Chido: Inga nhai, ndafara kukuzivai. Ini ndinonzi Chipo Takawira, ndiri munyori.
Tadiwa: Haa, ndinokuzivai mufunge
Chido: Musadaro
Tadiwa: Ndiri kurevesa, makanyora bhuku rinonzi "Mabasa" ka imi?
Chido: Ehe wena
Tadiwa: Mazviona ka? Ndokuzivai ini, munoshandira bepanhau re Wongororo
Chido: Aiwa rega ndimhanye shamwari, tichaonana rimwe zuva. Nhamba dzangu idzi

Tuesday, May 25, 2010

pako apo

ndima takapiwa musi mumwe chete
uyu pake uyu pake dunhu rimwe chete
ini ndakanzi iwe bata nepapo
iwe ukasinziwo bata nepapo
ndakatanga kufamba ipapo nendima yangu
iwe ukakudza hako hope mumwe wangu
pandaisakura vamwe maitondiseka
kundiita kunge ndisina kupfeka
nhasi uno ndokohwa vanhu mosvotwa nazvo
akawo kekuvhaira aka kanange kanatwo
kuitawo here vehama munondinyeya
dai zvaibvira mambondiregerera
vamwe ndevanofamba vachiti ane divisi
vamwe ndevanozongoti anomisa diti
deno zvaigoneka maitondiroya
kana zvatadza maindiponda

inga tese takanzi wani pako apo
inga tese takanzi wani pako apo
inga tese takanzi wani pako apo
inga tese takanzi wani pako apo

Monday, March 1, 2010

Dai

dai ndiri shiri ini zvangu ini

ndaibhururuka zvangu kuuya kuya

taimbofamba zvedu kurwizi

tichibhuya zvedu nekudziya zuva

dai zvangu ndiri gwenyambira

ndaikuridzira mbira mubiravira

tichiimbirira nekutambirira

tichisekedzeka nekufaririra

dai zvangu ndaiva na mano

ndaipinda ndotora moyo wako

taizoenda kunobira mbozha

topa mari yacho kunana ndonda

Shaisano

vanoti imbwa nyoro

ndidzo tsengi dze matowo

iwe ungasava hako imbwa nyoro

asi kutsenga matowo,

unotsenga kwazvovo

matowo ungakona kutsenga zvako

asi ka humbwa unenge unako

saka pano nepapo

ngoma ndiyo ndiyo

maitiro ako ndatya nawo

unenge une mukarirano

womene, ne manomano

unenge tsuro yemu ngano

We have things to think about!