Tuesday, May 25, 2010

pako apo

ndima takapiwa musi mumwe chete
uyu pake uyu pake dunhu rimwe chete
ini ndakanzi iwe bata nepapo
iwe ukasinziwo bata nepapo
ndakatanga kufamba ipapo nendima yangu
iwe ukakudza hako hope mumwe wangu
pandaisakura vamwe maitondiseka
kundiita kunge ndisina kupfeka
nhasi uno ndokohwa vanhu mosvotwa nazvo
akawo kekuvhaira aka kanange kanatwo
kuitawo here vehama munondinyeya
dai zvaibvira mambondiregerera
vamwe ndevanofamba vachiti ane divisi
vamwe ndevanozongoti anomisa diti
deno zvaigoneka maitondiroya
kana zvatadza maindiponda

inga tese takanzi wani pako apo
inga tese takanzi wani pako apo
inga tese takanzi wani pako apo
inga tese takanzi wani pako apo

Monday, March 1, 2010

Dai

dai ndiri shiri ini zvangu ini

ndaibhururuka zvangu kuuya kuya

taimbofamba zvedu kurwizi

tichibhuya zvedu nekudziya zuva

dai zvangu ndiri gwenyambira

ndaikuridzira mbira mubiravira

tichiimbirira nekutambirira

tichisekedzeka nekufaririra

dai zvangu ndaiva na mano

ndaipinda ndotora moyo wako

taizoenda kunobira mbozha

topa mari yacho kunana ndonda

Shaisano

vanoti imbwa nyoro

ndidzo tsengi dze matowo

iwe ungasava hako imbwa nyoro

asi kutsenga matowo,

unotsenga kwazvovo

matowo ungakona kutsenga zvako

asi ka humbwa unenge unako

saka pano nepapo

ngoma ndiyo ndiyo

maitiro ako ndatya nawo

unenge une mukarirano

womene, ne manomano

unenge tsuro yemu ngano

Thursday, February 25, 2010

Kunyangarika Kwa Tichafa

tichafa
akada nyika
nayowo nyika yakada
tichafa
takatanga ticharaya
pazvanga zvichanaka

kwaiti kana kwasviba
iye kana kuzombo batika
tande,
naidzo shamwari
hande tombonodya mari

varipowo vaitotsigira
vaitiwo musamutyira
hanzi regai mwana
adye nyika rutivi

gare gare
tobvunza baba nhiya tichiti
ko, chipenga chisipo
ipo pachinyika chino
nekuti
chakadyiwa na tichafa
ndechipi apa
tibatisei baba

gare gare
toongorora toona kuti
iyo nyika
haina kudyiwa na tichafa
iye tichafa
ndiye akatodyiwa
nenyika

Proverbs 3:5

nhumba yeruonekedzano

idapura hunanzva kani bambo
tichirova hedu
nhumba yeruonekedzano
tiri pakare pedu
panharidzano yezvirangano
tichikanda mazinyambo
nekupanga mazano
iyo nyama yemugocherwa
ichidemba demba nhamo
nemunyama wakaivedzengesa
isu tichitsenga tsenga
kunge sekera rinocheka rukweza
wasara wasara
iyoka ndima yafamba
idoona hatidzore nhanho
kana wasvotwa mhanya
kana kuti sara
ita zvinoda moyo
isu toita zvinotipa sadza
tinozviziva wani bambo
kuti zve ngano ndo zvenyu
saka chisungai tutsapo twenyu
mutore huta hwenyu
muende kwenyu
isu ve gango tiri pano
tichimbopedzisa zvepano

Tuesday, January 5, 2010

Ko shaisano yapinda papi

Kungoti kumagirosa otonzwa tsviyo
kungoti o pakona obatwa kwiyo

anotadza seiko kucheuka
achisheedzwa ne hombarume
anotadza seiko kudyira
achinyengwa nehombarume

iwe chanzi wakapiwa asi wakarasa
iwe mukadzi wakapiwa asi wakaramba

Ko kuzoda kusheedza mazita ekunyomba
hanzi upiko uyo pfambi iyo
hunzi zvipiko iyo nzenza iyi

ko shaisano yapinda papi
kuzoda kusheedza mazita ekunyomba
wakati wani torai zvenyu ndaneta
ukati wani nongai zvenyu ndapedza
saka shaisano yapinda papi
ko tuhasha twabva nepi
chakati chikati zvaita sei
ko shanje dzazopinda papi

anotadza seiko kucheuka
achisheedzwa nehombarume
ko kutadza seiko kureruka
achipepwa nehombarume

We have things to think about!