ndima takapiwa musi mumwe chete
uyu pake uyu pake dunhu rimwe chete
ini ndakanzi iwe bata nepapo
iwe ukasinziwo bata nepapo
ndakatanga kufamba ipapo nendima yangu
iwe ukakudza hako hope mumwe wangu
pandaisakura vamwe maitondiseka
kundiita kunge ndisina kupfeka
nhasi uno ndokohwa vanhu mosvotwa nazvo
akawo kekuvhaira aka kanange kanatwo
kuitawo here vehama munondinyeya
dai zvaibvira mambondiregerera
vamwe ndevanofamba vachiti ane divisi
vamwe ndevanozongoti anomisa diti
deno zvaigoneka maitondiroya
kana zvatadza maindiponda
inga tese takanzi wani pako apo
inga tese takanzi wani pako apo
inga tese takanzi wani pako apo
inga tese takanzi wani pako apo
Tuesday, May 25, 2010
Monday, March 1, 2010
Dai
dai ndiri shiri ini zvangu ini
ndaibhururuka zvangu kuuya kuya
taimbofamba zvedu kurwizi
tichibhuya zvedu nekudziya zuva
dai zvangu ndiri gwenyambira
ndaikuridzira mbira mubiravira
tichiimbirira nekutambirira
tichisekedzeka nekufaririra
dai zvangu ndaiva na mano
ndaipinda ndotora moyo wako
taizoenda kunobira mbozha
topa mari yacho kunana ndonda
Shaisano
vanoti imbwa nyoro
ndidzo tsengi dze matowo
iwe ungasava hako imbwa nyoro
asi kutsenga matowo,
unotsenga kwazvovo
matowo ungakona kutsenga zvako
asi ka humbwa unenge unako
saka pano nepapo
ngoma ndiyo ndiyo
maitiro ako ndatya nawo
unenge une mukarirano
womene, ne manomano
unenge tsuro yemu ngano
Thursday, February 25, 2010
Kunyangarika Kwa Tichafa
tichafa
akada nyika
nayowo nyika yakada
tichafa
takatanga ticharaya
pazvanga zvichanaka
kwaiti kana kwasviba
iye kana kuzombo batika
tande,
naidzo shamwari
hande tombonodya mari
varipowo vaitotsigira
vaitiwo musamutyira
hanzi regai mwana
adye nyika rutivi
gare gare
tobvunza baba nhiya tichiti
ko, chipenga chisipo
ipo pachinyika chino
nekuti
chakadyiwa na tichafa
ndechipi apa
tibatisei baba
gare gare
toongorora toona kuti
iyo nyika
haina kudyiwa na tichafa
iye tichafa
ndiye akatodyiwa
nenyika
Proverbs 3:5
akada nyika
nayowo nyika yakada
tichafa
takatanga ticharaya
pazvanga zvichanaka
kwaiti kana kwasviba
iye kana kuzombo batika
tande,
naidzo shamwari
hande tombonodya mari
varipowo vaitotsigira
vaitiwo musamutyira
hanzi regai mwana
adye nyika rutivi
gare gare
tobvunza baba nhiya tichiti
ko, chipenga chisipo
ipo pachinyika chino
nekuti
chakadyiwa na tichafa
ndechipi apa
tibatisei baba
gare gare
toongorora toona kuti
iyo nyika
haina kudyiwa na tichafa
iye tichafa
ndiye akatodyiwa
nenyika
Proverbs 3:5
nhumba yeruonekedzano
idapura hunanzva kani bambo
tichirova hedu
nhumba yeruonekedzano
tiri pakare pedu
panharidzano yezvirangano
tichikanda mazinyambo
nekupanga mazano
iyo nyama yemugocherwa
ichidemba demba nhamo
nemunyama wakaivedzengesa
isu tichitsenga tsenga
kunge sekera rinocheka rukweza
wasara wasara
iyoka ndima yafamba
idoona hatidzore nhanho
kana wasvotwa mhanya
kana kuti sara
ita zvinoda moyo
isu toita zvinotipa sadza
tinozviziva wani bambo
kuti zve ngano ndo zvenyu
saka chisungai tutsapo twenyu
mutore huta hwenyu
muende kwenyu
isu ve gango tiri pano
tichimbopedzisa zvepano
tichirova hedu
nhumba yeruonekedzano
tiri pakare pedu
panharidzano yezvirangano
tichikanda mazinyambo
nekupanga mazano
iyo nyama yemugocherwa
ichidemba demba nhamo
nemunyama wakaivedzengesa
isu tichitsenga tsenga
kunge sekera rinocheka rukweza
wasara wasara
iyoka ndima yafamba
idoona hatidzore nhanho
kana wasvotwa mhanya
kana kuti sara
ita zvinoda moyo
isu toita zvinotipa sadza
tinozviziva wani bambo
kuti zve ngano ndo zvenyu
saka chisungai tutsapo twenyu
mutore huta hwenyu
muende kwenyu
isu ve gango tiri pano
tichimbopedzisa zvepano
Tuesday, January 5, 2010
Ko shaisano yapinda papi
Kungoti kumagirosa otonzwa tsviyo
kungoti o pakona obatwa kwiyo
anotadza seiko kucheuka
achisheedzwa ne hombarume
anotadza seiko kudyira
achinyengwa nehombarume
iwe chanzi wakapiwa asi wakarasa
iwe mukadzi wakapiwa asi wakaramba
Ko kuzoda kusheedza mazita ekunyomba
hanzi upiko uyo pfambi iyo
hunzi zvipiko iyo nzenza iyi
ko shaisano yapinda papi
kuzoda kusheedza mazita ekunyomba
wakati wani torai zvenyu ndaneta
ukati wani nongai zvenyu ndapedza
saka shaisano yapinda papi
ko tuhasha twabva nepi
chakati chikati zvaita sei
ko shanje dzazopinda papi
anotadza seiko kucheuka
achisheedzwa nehombarume
ko kutadza seiko kureruka
achipepwa nehombarume
kungoti o pakona obatwa kwiyo
anotadza seiko kucheuka
achisheedzwa ne hombarume
anotadza seiko kudyira
achinyengwa nehombarume
iwe chanzi wakapiwa asi wakarasa
iwe mukadzi wakapiwa asi wakaramba
Ko kuzoda kusheedza mazita ekunyomba
hanzi upiko uyo pfambi iyo
hunzi zvipiko iyo nzenza iyi
ko shaisano yapinda papi
kuzoda kusheedza mazita ekunyomba
wakati wani torai zvenyu ndaneta
ukati wani nongai zvenyu ndapedza
saka shaisano yapinda papi
ko tuhasha twabva nepi
chakati chikati zvaita sei
ko shanje dzazopinda papi
anotadza seiko kucheuka
achisheedzwa nehombarume
ko kutadza seiko kureruka
achipepwa nehombarume
Subscribe to:
Posts (Atom)