Thursday, August 20, 2009

Sekuru-Kuna Chikedeya

http://poetictalk.blogspot.com/

Sorojena wapengera Chikedeya
Anhuhwa mwana waChihera
Hanzi nhasi watikwenyera
Kutidenhera hasha dzegonera

Aikazve, hazvidi hope izvi
Ukaitiitira dzungu wafa iwe
Ndati ini zvine makuva izvi
Zvine munhu pasi uzvizive

Babaiwe Moyo, inga irema iri
Saka waiti zvinoendepi nhaiwe?
Waiti zvinorova kunge bori?
Amaiwe, imhosva yawapara iyi

Wateya mbeva mu tsine iwe
Watema shumba nemupinyi
Wakanda ngoda mumarize
Chimiraka uratidze chivindi

Mira wakachama Chikedeya
Kumitisa kureva wave rumeka
Ehe, chiitonga tioneka
Zvauri gamba, sei wopweta

Bata Basa

Rega ku dzaratsara kunge shana
Ukaita nyope unoita rombe
Uri pa ndima shanda ne hanya
Kanya dope uumbewo mombe

Tarisa tarisa neku tsvaga tsvaga
Wana paungabate napo mwachewe
Usakadaro vana varara nzara ava
Munofa muchifura sora mese mese

Fambawo wakananga kubasa Tasara
Usati favava vamawe vachifamba
Ukaterera nyama mangwana wasara
kumaroro vamwe vachitsenga pwa
iwe uchiti ndombokwenya hapwa
Usatyire kure iwe bereka nhava
unosvovererawo matamba

Kana zvichiita kufamba, famba
Kana zvichida ku zhamba, shamarara
Nzwikwa kwese pano nekachana
Kana zvichida simba sadharara
Kana zviri zve hasha chama
Kana zvichida ruzivo, rava
Kana nyama yaneta rara
Asi mukazve ushande mangwana
Kana wada basa bata basa

Hezvo Nhaiwe Chikaponya

Wakanditora meso nezvino penya penya
Wakandiudza kuti baba vako ingezha
Wakati kumba kwenyu kunenge kudenga
Wakandivhara nemambure enhema

Ndakakudira kusekerera Sara
Wakanditora moyo nairo saka
Ndiani asingadiwo musikana bara
Ndaidawoka vana vakanaka

Dai wakandiudza kuti hauna mubhedha
Dai wakanditi rudo rwuchapera
Nhasi uno wandichembedza
Wakuti unoda Shinaka wekwa Mabhera
Chii chawakaona kwa Mabhera
Kune vanhu vakachenuka kunge chimera
Kunge mbongoro yabva mudurunhuru
Chikaponya ita semunhu mukuru

Haisi nyaya yekuchembera Sara
Nyaya iripo ndeye kugona basa
Dai wakagara wandiudza kuti une nungo
Ndingadai ndisina kukuunza kumba kuno

Hezvo nhaiwe Chikaponya, asi unatwo
Ko wazoona nungo dzangu nhasi uno
Ko pese pawaiti siya zvendiro uuye kuno
Handiwe here wakandifundisa nungo
Dai usina kugara wandinyepera
Dai wakandiudza kuti unogara mu jarata
Ndingadai ndakarova zvangu marata
Ndingadai ndakatorwa na Chikedeya

Neni Baba Ndodawo Kusaina

Baba ini basa randirambira
Ndatsvaga tsvaga ndarishaiwa
Ndingafara sei kunyora ma cheki
Ndichibvisawo ka chegumi ku chechi

Musikana ndanga ndazviwanira
Ndataura zvemuchato andirambira
Ndingafara sei kunzi mamuka sei
Ndichi svusvurawo pa tebhuru kuseni

Ndatsvaga imba kumagetsi zvandirambira
Saka ndotodzokera kwa Mubaira
Saka vamwe ndo veku dzima magetsi
Ini ndichingo dzima iwo ma kenduru sei

Kwa Fawcette basa riya ndakadzingwa
Ndabatwa naye koporo ndakakotsira
Zvino rimwe basa ndichariwana sei
Ini pandiri ndisina zvangu kana chikei

Vamwe vanoumba hari zvichivafambira
Ini zvandaumba zvinongopwanyika
Ndingafara sei kunzi ndibatisei
Kahadyana kaya makaka umba sei

Inga makandidaidza ndikadaira
Baba neni ndodawo kusaina
Inga vamwe vanongosaina
Ini ndinotadza nei kusaina

(c) poetictalk.blogspot.com 2009

Bvuru-bvanganya, Shangu ye Rombe

Poetic Talk
Tisvikewo zvedu vemarengenya
Pamuri zvenyu maguruvha nemagevha
Vanhomhanya ne mhenya
Vkapfeka zvinopenya-penya-penya

Tisudurukirei isu ana chakweya
Munganzwe nekusemeswa
Nesu zvedu vamunoti ve-nda
Iyesu ka vekukwenya-kwenya

Ndati wenhamo ndiye mambo
Anotyiwa, anotizwa, chikwambo
Akasvika vanocheuka-cheuka
Kutoramba sadza, hanzi chidya wega

Ini ndoda ipapo pane ngezha
Dzezvikwepa nema gwenya
Ndasvika ini misarinya inopera
Ko kutiza, kutya gwenya mukwenya

Zvino isu ne ginya tinokwana pese
Zviri zvembabvu tinogona zvese
Eheka, hupenyu hwedu iganyavhu
Mati madii, muchaita mwandabvu

Isiri yedu tsvina dzenyu taitora nzenza
Mototenda vakatipa mamvemve
Nekuti dai taichenawo semi mese
Tingadai tichikwanisawo kunyenga

Hezvoka vatiza vaenda
Hanzi tichagarirei kwauyiwa
Vapinda vapinda vekunhuwa benzi
Ngatibvei tinotsvaga kumwe
Ini nyinu, ndoti zvaitwa!

We have things to think about!