Ndinobatiwa moyo ndichifunga
zvese zvakaitika
ndinopererwa
ndinotarisa mberi ndichiona
zvese zvichaitika
ndinopembedza
muromo wangu kurumbidza imi
imi makanaka
imi mune rudo
ndimi Nyadenga
Ndinoshamiswa kwazo ndichiona
zvese zvandakapiwa
ndosekerera
pandinotarisa mberi ndichiona
zvese zvakavimbiswa
ndinopembedza
muromo wangu kurumbidza imi
imi makanaka
imi mune rudo
ndimi Nyadenga
Friday, December 25, 2009
Saturday, December 19, 2009
Nyora
tamba ne penzura jaya
tiri pabasa
hatisi kuita zvekutamba
saka funga
shandisa pfungwa
tsanangura
dura nekuparura
ipa rondedzero ine mwero
parura nyaya se shasha
kubva panhanganyaya
kusvika kuchikwekwenhero
runga neshuga nyaya
tiri pabasa
hatisi kuita zvekutamba
saka funga
shandisa pfungwa
tsanangura
dura nekuparura
ipa rondedzero ine mwero
parura nyaya se shasha
kubva panhanganyaya
kusvika kuchikwekwenhero
runga neshuga nyaya
Yakora
Yakora
Ndine daka
nekuti
Une ngava
Kubhadhara waramba
Tutaurirana waramba
Iye zvino ndatsamwa
Ndaridza nharembozha
Iwe ndiye tugu
Waita hwe boorangoma
nhaiwe kuti shutu
hezvo wabva wasvotwa
Unenge unatwo
Tamba wakangwara
Famba neka panga
Nekuti irori daka
Harimbopera
Harizopera
kusvika angu ndaona
mazuda awakarozva
Ndine daka
nekuti
Une ngava
Kubhadhara waramba
Tutaurirana waramba
Iye zvino ndatsamwa
Ndaridza nharembozha
Iwe ndiye tugu
Waita hwe boorangoma
nhaiwe kuti shutu
hezvo wabva wasvotwa
Unenge unatwo
Tamba wakangwara
Famba neka panga
Nekuti irori daka
Harimbopera
Harizopera
kusvika angu ndaona
mazuda awakarozva
Subscribe to:
Posts (Atom)