Friday, December 25, 2009

Ndinobatiwa moyo ndichifunga
zvese zvakaitika
ndinopererwa
ndinotarisa mberi ndichiona
zvese zvichaitika
ndinopembedza
muromo wangu kurumbidza imi
imi makanaka
imi mune rudo
ndimi Nyadenga

Ndinoshamiswa kwazo ndichiona
zvese zvandakapiwa
ndosekerera
pandinotarisa mberi ndichiona
zvese zvakavimbiswa
ndinopembedza
muromo wangu kurumbidza imi
imi makanaka
imi mune rudo
ndimi Nyadenga

Saturday, December 19, 2009

Nyora

tamba ne penzura jaya
tiri pabasa
hatisi kuita zvekutamba
saka funga
shandisa pfungwa
tsanangura
dura nekuparura
ipa rondedzero ine mwero
parura nyaya se shasha
kubva panhanganyaya
kusvika kuchikwekwenhero
runga neshuga nyaya

Yakora

Yakora

Ndine daka
nekuti
Une ngava
Kubhadhara waramba
Tutaurirana waramba
Iye zvino ndatsamwa

Ndaridza nharembozha
Iwe ndiye tugu
Waita hwe boorangoma
nhaiwe kuti shutu
hezvo wabva wasvotwa
Unenge unatwo

Tamba wakangwara
Famba neka panga
Nekuti irori daka
Harimbopera
Harizopera
kusvika angu ndaona
mazuda awakarozva

We have things to think about!