Thursday, September 4, 2014

Chi mhondi chepa next door

Zvaingoita sekurota. Ndakamutswa ne zuva raipinda nepaisangana ma keteni, asi chakaita kuti ndibude panze i mhere mhere.Ndakanzwa noise ndikati better check it out.

Ma squad car emapurisa anga akati nda nda nda paraini. paive ne mhando dzakasiyana siyana. Ma Nissan Patrol. Mota dzema tikitivha. Dzimwe dzaive nemireza yakareba semiti.

Vapfanha vese vainge vakagumbata vachiona mapurisa achimhanya mhanya. Vanhu vakuru vaimirizikawo with empty faces. Mudhara Mabere anga aripowo akapfeka ka wife beater kake kaimbove ke white. Magokora ake aiita kunge akanyikwa mu Jik, maonowo akaunyana. Aitaura na Mbuya va Nhamo.

Ndakasebera padhuze kuti ndinzwe kuti inyaya yei ndikapotswa ne mbama.

"Choka. Choka pamene apo," akadaro mudhara Mabere. He was serious saka ndakakwakuka ndikaenda kure. Unokwaturwa ka.

Gare gare ndakaona Razaro amira pa side pangu ne adidas yake ye orange ne jersey reku Tsungai Primary. Ndakati ndeip and rezi. Ndakazibvunza kuti inyaya yei, zvikanzi pane munhu akachekwa musoro pamba pana Razaro the night before.

"Manje mhondi yacho yabatwa here?" ndakabvunza. Akati ehe, yanga yabatwa.

Mudhara Mabere anga amuka kuma 5 kuenda kuchimbuzi and found a headless man akarara pa pole re line re washeni. akamhanya ku charge office akawana Sergeant Chiwara vari panyanga. Akavaudza zvanga zvaitika vakatora statement. Aripo pakasvikawo musikana ainzi Alice weku Egypt nenyaya yekuti anga akandirwa musoro we munhu nepa window.

VaChiwara vakada kuziva kuti Alice aiziva munhu akakanda musoro here. "Ehe, taimbodanana asi ndakamuramba."

"Makarambana rinhi?"
"Last week but one"
"Saka unofunga kuti pane connection?"
"Hongu Sajeni. Akaramba kurambwa akati pachafiwa. Ini ndaitoti achauraya inini."
"Dzokera shure undiudze kuti zvafamba sei."
"Sajeni, ndanga ndichangobva kubasa kubhawa..."
"Uri bar tender here?"

Mudhara mabere akagutsurira musoro kuratidza kunzwisisa

"Kwete, ndinoshanda panze. Saka ndapinda mumba. Ndakutokurura nguwo kuti ndivate ndikanzwa pwaka pa window. Iro i window ranga richirohwa ne dombo. Pabva pakandwa pasuru yakaputirwa ne newspaper re Herald zvikanzi "Alice pasuru yako iyo". I just knew kuti i voice rani.

"Saka ndavhura pasuru ndakabva ndaona musoro wemunhu. Ndadonhedza zvese pasi ndokupfeka kuti ndiuye kuno."

"Waita zvakanaka. Ko mufi waimuziva here?"
"Kwete"
"Imi mudhara, maiziva mufi here?"

Va Mabere vakadzungudza musoro. "Aiwa. Ndafika pa ujeni kuti ndione kuti ndi chiyani chiripo pamene. Ndamva ndaona ai, munhu. Ndati no, beta ndiyende ku charge offs right away. Saka ndauya pano a Sajeni.

"Right. Saka dzokerai henyu kumba. Ini ndakutuma vakomana nembwa kuti vauye kuzoona kuti inyaya yei...

...To be continued

We have things to think about!